Additional Resource

COVID-19 Chiziviso Chichangoburitswa (Shona)

Kuungana kweNhengo dzeChechi Kwambomisa kweChinguva Panyika Pose

Vatungamiri vemunharaunda vanozorairana kuti vasarudze zvavangaita kuti sakaramende iwanikwe nenhengo zvingangoita kamwechete pamwedzi.

Vatungamiri Vokutanga neChikwata cheVaapositora Vane Gumi naVaviri veChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira vakatuma tsamba inotevera iyi musi wa12 Kurume, 2020, kunhengo dzeChechi panyika pose.

Vadikanwi Mabhuratha neMasisita,

Sekuvimbisa kwatakaita mutsamba yedu yaKurume 11, 2020, tinoramba tichiwongorora mamiriro ezvinhu ayo arikushanduka ari maererano nechirwere cheCOVID-19 panyika pose. Tafungisisa pamusoro perairo dzevatungimira vemunharaunda veChechi, vatungamiri vemuhurumende uye nyanzvi dzezveutano, uye tikatsvaka hutungamiri hwaIshe munyaya idzi. Zvino tavakupa mirairo mitsva inotevera.

Kutanga iyezvino, kuungana pamwechete kweruzhinji kwenhengo dzeChechi kuri kumbomiswa kwechinguva panyika pose kusvikira tapa chimwe chiziviso. Izvi zvinosanganisira:

  • Misangano mikuru yemasiteki, misangano mikuru yevatungamiri uye kumwe kuungana kwevanhu vazhinji.
  • Misangano yeruzhinji yese yeminamato, kusanganisira misangano yesakaremende
  • Zviitwa zvemumabhazi, mawadhi nemasiteki

Pese pazvinokwanisika, tapota itai misangano yakakosha yevatungamiri muchishandisa tekinoroji. Mibvunzo yamungava nayo inonokwanisa kunangiswa kuvatungamiri vehupirisita vemunharaunda. Imwe rairo maererano nedzimwe nyaya ichapiwa.

Mabhishopi anofanira kupanana mazano nevatungamiri vavo vemasiteki kuti vasarudze zvavangaita kuti sakaramende iwanikwe nenhengo zvingangoita kamwechete pamwedzi.

Tinokurudzira nhengo mukuedza kwadzo kushumira kuti dzitaririrane. Tinofanira kutevera muenzaniso weMuponesi wekuropafadza nekusimudzira vamwe.

Tinopupura uchapupu hwedu hwerudo rwaIshe munguva ino yokushaya rugadzikano. Vanozokuropafadzai kuti muwane mufaro apo pamunoita zvese zvamunokwanisa kurarama vhangeri raJesu Kristu mumamiriro ezvinhu ese zvawo.

Venyu muchokwadi,

Vatungamiri Vokutanga neChikwata cheVaapositora Vane Gumi neVaviri

Style Guide Note:When reporting about The Church of Jesus Christ of Latter-day Saints, please use the complete name of the Church in the first reference. For more information on the use of the name of the Church, go to our online Style Guide.